Mika 3:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo ndakati, “Teererai imi vatungamiri vaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri. Hamufaniri kuziva kururamisira here,

2. imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa; munofunura ganda pamapfupa;

3. munodya nyama yavanhu vangu, munobvisa ganda ravo, muchivhuna mapfupa avo kuita zvidimbu; munovatema-tema senyama yomupani, senyama yomuhari?”

Mika 3