Mateo 8:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.”

23. Ipapo akapinda muigwa uye vadzidzi vake vakamutevera.

24. Pakarepo, dutu guru rakamuka pagungwa zvokuti mafungu egungwa akapfachukira pamusoro peigwa. Asi Jesu akanga avete.

25. Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Ishe, tiponesei! Tava kunyura!”

Mateo 8