1. “Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga.
2. “Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.