22. Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
23. Pirato akabvunzazve achiti, “Nemhaka yei? Mhosva yake ndeyei?” Vanhu vazhinji vaya vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
24. Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.”
25. Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.”
26. Ipapo akavasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe, uye akamupa kwavari kuti arovererwe pamuchinjikwa.