Mateo 25:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo.

5. Chikomba chakanonoka kusvika, vakabatwa nehope ndokuvata.

6. “Pava pakati pousiku vakanzwa nemheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’

7. “Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo.

8. Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’

Mateo 25