Mateo 25:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi.

4. Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo.

5. Chikomba chakanonoka kusvika, vakabatwa nehope ndokuvata.

6. “Pava pakati pousiku vakanzwa nemheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’

7. “Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo.

Mateo 25