Mateo 22:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti,

2. “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa.

3. Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.

Mateo 22