Mateo 14:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu

2. uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.”

3. Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, munun'una wake,

4. sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.”

Mateo 14