9. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
10. Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?”
11. Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari.
12. Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa.
13. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo:“Kunyange vachiona asi havaoni,kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.