Mateo 13:36-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

36. Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzisi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.”

37. Akapindura akati, “Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu.

38. Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa,

39. muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa.

40. “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika.

41. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa.

42. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.

43. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Mateo 13