1. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, nyika yose.
2. Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
3. Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.
4. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
5. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga.
6. Kubwinya noumambo zviri pamberi pake; simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene.