Mapisarema 94:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Akaropafadzwa munhu anorangwa nemi, iyemi Jehovha, munhu wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;

13. munomuzorodza pamazuva enhamo, kusvikira akaipa achererwa gomba.

14. Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake; haangambosiyi nhaka yake.

15. Kutonga kuchawanikwazve pamusoro pavakarurama, uye vose vakarurama pamwoyo vachakutevera.

16. Ndianiko achandirwira pane vakaipa? Ndianiko achandibatsira pavaiti vezvakaipa?

17. Dai Jehovha asina kundibatsira, ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.

18. Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,” rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.

19. Pandakava nokufunganya kukuru mandiri, kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.

20. Ko, chigaro choushe chino uori chingashamwaridzana nemi here, icho chinouyisa kutambudzika muzvirevo zvacho?

21. Vanobatana pamwe chete kuti varwise vakarurama, vachipomera mhosva yorufu kuna vasina mhosva.

22. Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu, uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira.

Mapisarema 94