Mapisarema 89:32-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru;

33. asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu.

34. Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu.

35. Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi,

36. kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva;

37. chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera

38. Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu.

39. Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva.

40. Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo.

41. Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake.

Mapisarema 89