18. Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha, mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri.
19. Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu.
20. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene.
21. Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa.
22. Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira.
23. Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake.
24. Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu.