Mapisarema 88:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha; mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.

14. Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu?

15. Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.

16. Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza.

Mapisarema 88