Mapisarema 87:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;

2. Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho.

3. Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera

4. “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, “Uyu akaberekerwa muZioni.”

Mapisarema 87