Mapisarema 86:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa; imi moga ndimi Mwari.

11. Haiwa Jehovha, ndidzidzisei nzira yenyu, uye ndichafamba muzvokwadi yenyu; ndipei mwoyo mumwe, kuti ndigotya zita renyu.

12. Ndichakurumbidzai, imi Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.

13. Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri; makandirwira paguva rakadzika.

Mapisarema 86