1. Inzwai, imi Jehovha, uye mundipindure, nokuti ndiri murombo nomushayiwi.
2. Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri. Muri Mwari wangu; ponesai muranda wenyu anovimba nemi.
3. Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.
4. Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu.