Mapisarema 84:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ugaro hwenyu hwakanaka sei, imi Jehovha Wamasimba Ose!

2. Mweya wangu unopanga, kunyange kuziya chaiko, nokuda kwevanze dzaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.

3. Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.

Mapisarema 84