Mapisarema 83:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira, sehundi inodzingwa nemhepo.

14. Somoto unopisa sango kana moto unoririma mugomo,

15. saka vateverei nedutu renyu mugovavhundutsa nomutinhiro wenyu.

16. Fukidzai zviso zvavo nenyadzi kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.

17. Ngavarambe vachinyadziswa uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.

Mapisarema 83