Mapisarema 83:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Mwari, regai kunyarara; musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.

2. Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu, namasimudziro avaita misoro yavo.

3. Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vomunochengeta zvakanaka.

4. Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.”

5. Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi,

6. matende eEdhomu nevaIshumaeri, neMoabhu navaHagari,

7. Gebha, Amoni neAmareki, Firistia, navanhu veTire.

8. Kunyange neAsiria yabatana navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera

Mapisarema 83