Mapisarema 81:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. ichi ndicho chirevo chaIsraeri, chakatarwa naMwari waJakobho.

5. Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa panguva yaakandorwa neIjipiti, uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.

6. Iye akati, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo; maoko avo akasunungurwa padengu.

7. Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura, ndakakupindura ndiri mugore romutinhiro; ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha. Sera

8. Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai, kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!

9. Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa, musapfugamira mwari wokumwe.

Mapisarema 81