Mapisarema 8:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

5. Makamuita muduku zvishoma pazvisikwa zvokudenga, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

6. Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:

7. makwai ose nemombe, nemhuka dzesango,

8. neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.

9. Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Mapisarema 8