Mapisarema 8:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi.

3. Kana ndichifunga matenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo,

4. munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

5. Makamuita muduku zvishoma pazvisikwa zvokudenga, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

Mapisarema 8