Mapisarema 79:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Tiri chinhu chinoshorwa navatigere navo, chinosekwa nechinozvidzwa kuna avo vakatipoteredza.

5. Haiwa Jehovha, mucharamba makatitsamwira nokusingaperi kusvikira riniko? Godo renyu richapisa somoto kusvikira riniko?

6. Dururirai hasha dzenyu pamusoro pendudzi dzisingakuzive, napaushe husingadani kuzita renyu;

7. nokuti vakapedza Jakobho uye vakaparadza nyika yokwake.

8. Regai kuverengera pamusoro pedu zvivi zvamadzibaba; tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya kuzosangana nesu, nokuti tiri pakutambudzika.

9. Tibatsirei, imi Mwari Muponesi wedu, nokuda kwokukudzwa kwezita renyu; tirwirei mutiregerere zvivi zvedu nokuda kwezita renyu.

Mapisarema 79