8. Havazofanani namadzitateguru avo, rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira, mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari, mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari.
9. Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta, vakadzokera shure pazuva rokurwa;
10. havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake.
11. Vakakanganwa zvaakaita, zvishamiso zvaakavaratidza.
12. Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani.
13. Akapamura gungwa akavayambutsa napakati; akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo.
14. Akavatungamirira negore masikati, uye nechiedza chomoto usiku hwose.
15. Akapamura ruware mugwenga akavapa mvura yakawanda seyamakungwa;
16. akabudisa hova dzemvura paruware akaita kuti iyerere seyenzizi.
17. Asi vakaramba vachingomutadzira, vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga.
18. Vakaedza Mwari nobwoni vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga.
19. Vakapopotera Mwari, vachiti, “Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here?