Mapisarema 78:69-72 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

69. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi.

70. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai;

71. akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake.

72. Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.

Mapisarema 78