Mapisarema 78:57-61 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

57. Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera.

58. Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.

59. Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.

60. Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.

61. Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi.

Mapisarema 78