Mapisarema 78:47-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

47. Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe, uye namaonde emionde yavo nechando.

48. Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe, nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni.

49. Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza.

50. Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda.

Mapisarema 78