Mapisarema 78:21-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri,

22. nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake.

23. Asi akarayira matenga kumusoro akazarura magonhi okumatenga;

24. akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga.

25. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya.

Mapisarema 78