Mapisarema 78:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare,

3. zvatakanzwa nezvatakaziva, zvatakaudzwa namadzibaba edu.

4. Hatingazozvivanziri vana vavo; tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, simba rake, nezvishamiso zvaakaita.

Mapisarema 78