Mapisarema 77:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare.

12. Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.

13. Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?

14. Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu.

15. Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera

16. Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda.

17. Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nomutinhiro; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.

18. Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka.

Mapisarema 77