9. Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika.
10. Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.
11. Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”
12. Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.
13. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.
14. Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.
15. Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu.
16. Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo
17. kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.
18. Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare.
19. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa!