Mapisarema 73:11-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”

12. Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.

13. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.

14. Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.

15. Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu.

16. Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo

17. kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.

18. Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare.

19. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa!

20. Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka.

Mapisarema 73