Mapisarema 72:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri.

5. Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera,

6. achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa, seguti rinonyorovesa nyika.

Mapisarema 72