Mapisarema 72:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Madzimambo ose achamupfugamira uye ndudzi dzose dzichamushandira.

12. Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira; vanonetswa vasina anovabatsira.

13. Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.

14. Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa chisimba, nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.

15. Iye ngaararame upenyu hurefu! goridhe rinobva kuShebha ngaripiwe kwaari. Vanhu ngavarambe vachimunyengeterera uye vamuropafadze zuva rose.

16. Zviyo ngazviwande munyika yose; ngazvizengaire pamusoro pezvikomo. Zvibereko zvazvo ngazvikure zvakanaka seRebhanoni; ngazvibukire sebundo romusango.

Mapisarema 72