Mapisarema 71:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Kubva pauduku hwangu, imi Mwari, makandidzidzisa, nanhasi uno ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa.

18. Kunyange pandinenge ndakwegura uye bvudzi rachena, musandisiya, imi Mwari, kusvikira ndaparidza simba renyu kurudzi runotevera, nesimba renyu kuna vose vari kuzouya.

19. Kururama kwenyu kunosvika kudenga kumusoro, imi Mwari, iyemi makaita zvinhu zvikuru. Haiwa Mwari, ndiani akafanana nemi?

Mapisarema 71