Mapisarema 69:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vaya vane tariro mamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose; vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Mwari waIsraeri.

7. Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu, uye nyadzi dzafukidza chiso changu.

8. Ndiri mutorwa kuhama dzangu, nomweni kuvanakomana vamai vangu;

9. nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.

Mapisarema 69