Mapisarema 65:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Mune hanya nenyika uye munoidiridza; munoipfumisa kwazvo. Hova dzaMwari dzizere nemvura kuti dzivigire vanhu zviyo, nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.

10. Munozadza mihoronga yacho nemvura, uye munoenzanisa mihomba yacho; munoinyorovesa nemvura inopfunha munoropafadza zvibereko zvayo.

11. Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu, uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda.

12. Uswa hwomurenje hwopfachukira; zvikomo zvakafukidzwa nomufaro.

13. Mafuro azara namapoka emakwai, uye mipata yafukidzwa nezviyo; zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.

Mapisarema 65