Mapisarema 57:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vanowaririra tsoka dzangu mimbure, ndakakotamiswa pasi nenhamo. Vakachera gomba panzira yangu, asi vakawiramo vamene. Sera

7. Mwoyo wangu wakasimba, imi Mwari, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.

8. Chimuka iwe mweya wangu! Mukai imi mutengeranwa nembira! Ini ndichamutsa mambakwedza.

9. Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi; ndichakuimbirai pakati pamarudzi.

10. Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga; kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro.

11. Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

Mapisarema 57