Mapisarema 55:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari; regai kushaya hanya nokukumbira kwangu;

2. ndinzwei, uye ndipindureiwo. Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana,

3. pandinonzwa inzwi romuvengi wangu, pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu, uye vanondituka mukutsamwa kwavo.

4. Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu kunondiwira.

5. Kutya nokudedera zvakandibata; kutya kukuru kwakandifukidza.

Mapisarema 55