Mapisarema 52:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vakarurama vachazviona uye vachatya; vachamuseka vachiti,

7. “Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi aivimba nepfuma yake zhinji, uye aisimba nokuparadza vamwe!”

8. Asi ini ndakaita somuti womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari; ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari, nokusingaperi-peri.

9. Ndichakurumbidza, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita; ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka. Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.

Mapisarema 52