Mapisarema 45:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda panyika yose.

17. Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kumarudzi ose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.

Mapisarema 45