Mapisarema 44:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ndimi Mambo wangu naMwari wangu, anorayira kukunda kwaJakobho.

5. Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure; kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu.

6. Handivimbi nouta hwangu, munondo wangu haundivigiri kukunda;

7. asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu, munonyadzisa vadzivisi vedu.

8. Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi. Sera

9. Asi zvino matiramba uye matininipisa; hamuchabudi nehondo dzedu.

10. Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu, uye vadzivisi vedu vakatipamba.

Mapisarema 44