3. Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa; rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu, nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.
4. Ndimi Mambo wangu naMwari wangu, anorayira kukunda kwaJakobho.
5. Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure; kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu.
6. Handivimbi nouta hwangu, munondo wangu haundivigiri kukunda;