Mapisarema 44:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi.

12. Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa.

13. Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza.

14. Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro.

15. Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi

16. pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva.

17. Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu.

18. Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu.

Mapisarema 44