Mapisarema 39:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. “Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha, rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro; regai kuva matsi pakuchema kwangu. Nokuti ndigere nemi somutorwa, somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.

13. Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve ndisati ndabva uye ndisisipo.”

Mapisarema 39