Mapisarema 38:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda.

20. Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka.

21. Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu.

22. Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira.

Mapisarema 38