Mapisarema 37:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;

6. achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.

7. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga.

8. Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.

9. Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika.

10. Chinguva chidukuduku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi.

Mapisarema 37