Mapisarema 37:24-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.

25. Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachisiyiwa, kana vana vavo vachipemha chingwa.

26. Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.

27. Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka; ipapo uchagara panyika nokusingaperi.

28. Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka. Vachadzivirirwa nokusingaperi; asi vana vowakaipa vachaparadzwa;

29. vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.

30. Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.

31. Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.

Mapisarema 37